|
|
THE #1 PREFERRED SCHOOL | LAST UPDATED Jan 14 2012 11:17 |
Musi wa15 Gunyana 2011 isu vana
vemurugwaro rwekutanga vepaWatershed College takakwira madutavanhu ayo akabva ati
rongondo akananga kumuzinda kwaMambo Svosve. Donzvo rakange riri rokundodzidza nekuita tsika namagariro edu echivanhu
veChiShona. HTML Comment Box is loading comments...
| ![]() Jena naSamaita muzukuru waMambo
AdvertisementsSponsored links
| |||||||||||||||||
Home | About | Academics | Admissions | History | Farm | Download | Calendar | Sports | Support us | Vacancies | Tenders | Photo Gallery | 25th Anniversary Celebration | Webmaster
Copyright © 2011 Watershed College. All Rights Reserved.






Takasimuka pachikoro nguva dzesere nechidimbu mangwanani tikasvika mumuzinda waMambo Svosve nenguva dzegumi zuva parainge zvino rati kwirei. Vasikana vainge vakamonera mazambia nemadhuku mumusoro avawo vakomana vakasimira hanzu dzavo dzavanowanzopfeka pavanenge vachienda kumitambo yamasikati. Tichisvika mumuzinda takachingurwa nanevanji waMambo nemukunda wake avo vakazotitungamirira kupinda mumuzinda. Tichiri kumucheto kwechivanze takapfugama muvhu dzvuku vakomana vakachonjomara tichikwidza maoko kumakurukota aMambo ayo akamagamuchidza Mambo. Tichipedza izvi takakotomisa zviso tichipoterera kuenda kuDare raMambo. Dare raMambo Svosve riri kuseri kweimba yavo huru yakavakwa
pachizvino zvino.
vakapfeka hanzu dzavo dzebasa tsvuku, nyembe nenguwani mumusoro. Vaiteverwa namachinda uye mudzimai mumwe chete. Pamachinda aMambo paivevo nanevanji nemuzukuru waMambo uye vadzidzisi vatatu vechiShona kubva pachikoro cheDhirihori. Muzukuru waMambo anova zvakare Muzvinachikoro wapachikoro ichi anonzi VaMupazviripo. Nevanji waMambo anonzi Tatenda Zenda. Ivo Mambo pachavo vanonzi Lovemore Zenda Svosve. Pamachinda akange aripo ndinorangarira
VaRuswa naVaChapendama.
Mandara musikana asati ave kuziva vakomana uye jaya mukomana asati ave kuziva vasikana. Izvi zvinoreva kuti mukomana kana musikana uyu haasati ava kuziva zvepabonde. Musikana anoroorwa nemukomana waanenge achidanana naye asi zvichizivikanwa navatete vemusikana kana pari patsika yekutizisa. Kutizisa kana kutizira mukumbo itsika ichiri kuitwa mazuvano apo musikana anoperekedzwa natete vake kumukomana zvisingazivikanwi navabereki vake. Vabereki vake vanozoziva kuti mwana wavo ari kupi mushure mokunge sadombo kana munyayi aendesa tsvakirai kuno. Vabereki vemusikana vanozoudza munyayi uyu pfuma kana roora ravanoda pamwana wavo. Vana takapiwa mukana wekubvunza mibvunzo pamusoro petsika dzeChiShona dzainge dzataurwa ipapo kana zvimwevo zvataida kuziva. Mibvunzo yese yakapindurwa zvine unyanzi zvakatigutsa
tose.
Mambo vakazosimuka votaura pamusoro poumambo hwavo. Vakatiudza kuti umambo hwavo hwakauya pamusaka pekuti svosve ndiro rakakunda Nzou anova aiva mambo wepasi rose. Svosve akapinda mumhino dzaNzou kareko ndokubva amun’en’ena mukatimo. Neshungu Nzou akazvirovera pamiti napamatombo kusvika apunzika nekuneta uye namarwadzo ekukuvara. VaNzou vedu imi takazongoperezeka ndokuti chonjoma ndiye sarai mudye. Svosve akabuda mumhino dzaNzou ari murwi mukuru pasi rose akabva agadzwa umambo hwepasi rose! Madzimambo anotonga zvichienderana nedzinza ravo. Hazviite kuti munhu ave mambo munzvimbo inenge isiri yedzinza rake. Madzimambo anovigwa muninga uye rufu rwamambo rwakange rwusingazivikanwe
nemunhu wese wese
pachiti papata nenyota mukaranga waMambo akasheedza vamwe vedu kuti vatakure migomo yamahewu kuti timbotova pahuro pakange paoma. Vashoma vakadzungudza misoro yavo kuramba komichi dzemahewu dzavaipiwa. Vazhinji vaitoona sevanonokerwa kupihwa
komichi dzamahewu.